Cellular: Ndakaedza zvese

Part 2

Musi uyu ndakakwesha nemadziro, ndaive mushishi kugadzirira kutaurirana nemumwe wangu. Ndakatondera masoko atete vangu musi wavakandipereka, “Melinda murume anoda kuremekedzwa nguva dzese, uye ziva murume wako, wotangira ipapo.

Masoko aShewe ekuti ndakange ndoda kuvajairira akange andibata pakadzika pemoyo wangu. “What would tete say vakanzwa masoko aya?” Ndakadzamisa pfungwa, ndichiita yavanoti iyo spring clean mumba mangu.
Musi uyu ndakakaringa ndika gadzirira kuuya kumba kweumwe wangu.

Zvisineyi shewe vakakurumidza kuuya kumba. Murume mukuru akandisimudza akandikanda mudenga. Shasha yakati, “nhasi wanditeya Melinda.” Kutaura idi ndakange ndatamba nemvura musi uyu. Kumeso ndakaswera ndakapushira avocado, then egg yolk….aaar ndakapetura musoro ndikazozora podi. Miromo yainyiminya vaselina.

Takazovidza hedu zuva tichigegedza hedu.
Akadya zvekutsvaira ndiro, kwakuti, ” pasi rino handifungi kuti kune mukadzi anobika sewe…unokunda vese…!”

Musi uyu ndakaridzirwa “Candy girl” takatamba tichigegedza nekupfipfinika…waingove mufaro. Kana ari matsvodi, ndakafunga kuti dai ndaive ice-cream ndingadai ndakapera musi uyu.

Foni yake yakati dududu, tiripakati pekukurukura hedu. Ndakati nechemumoyo, “Mwari maita henyu.” Shewe vakabva vadzima foni yavo nekukurumidza. Maitiro avo akandisvika mumoyo mangu.

Vakada kuti tikurukure, ndakatadza kupindura. Zvakaramba kuti ndirambe ndichisekedzana navo, paine nyaya yefoni yakange ichidya moyo wangu.

Shewe: Ko hindava? Why uchiita switch mamoods so? Kunge tv inoitwa change mastations neremote control here?
Ini : Aiwa Bernard, usadaro, its not fair,
How do you expect me kuti titambe tese iwe une mafrienz outside?
Shewe: Come on Melinda usaite spoil our day by being childish
Ini: saka is that being an adult uchiviga foni yako here, heya that is what adults do.
Shewe: Melinda I see kuti you do not respect me, if you respected me you would not think the worst of me.
Ini: Ben respect goes both ways, i also deseve respect irregardless.
Shewe: you know what itsIMG_5492 pointless talking to you, I am going out, I hope unenge waita calm down pandinodzoka.
Ben akabuda mumba ndikasara ndichifashaira nehasha. Ndakafunga kurongedza twangu asi ndakasimuka ndikasuka ndiro nfikanorara muspare bedroom.Hope dzakaramba kubata, Ben akadzoka kwapera 2hours. He knocked on my door but I ignored him.
Kutaura idi fonr yakange yave muedzo mumba mangu…anyhow Ben did not know me, he wad not going to get away with it….
TBC

Leave a comment